Imbwa kudya matehwe, hunge yashaya muvhimisi
For a dog to eat skins, it’s because no one can take it out hunting. A dog eats hides when there is no one to take it out hunting.
Tsanagudzo
Vangave vana vomunhu, vakangoshaya anonyatsovarakidza tsika dzakanaka nezvavanofanira kuita, vanotangisa kuita zvinhu zvomumusoro mavo zvisina maturo. ; Kuona mwana muduku otora tsika dzakaipa pamwe anenge ashaya vakuru vanomuratidza tsika nokumuisa mugwara rakanaka roupenyu. Zvakare kana vanhu vakashaya chokuita vanogona kutanga kuita zvisina maturo.
What the Words Say
For a dog to eat skins, it’s because no one can take it out hunting. A dog eats hides when there is no one to take it out hunting.
What It Means
Mischief usually has its origin in child- hood. A child often does misbehaves or gets into bad habits when nobody takes the trouble to educate him properly.