Shona

Mwana washe(wamambo) muranda kumwe

The son of a chief is a subject elsewhere; A chief's son is like a servant elsewhere.

Tsanagudzo

Maitiro kwaunobva anosiyana nekwaunoshanya; Munhu kana afamba anofanira kuzvibata nekuzvidzora, hazvina mhosva kuti angave mwana womupfumi kana mwana wemba huru kumusha kwake. Vokwaanenge aenda ikoko pamwe vanenge vasingazvizivi kuti ndiani saka haana kufanira kuzvitutumadza kuti mwana washe kana kuti ndeweimba huru; Kana uchinge usiri kwako unoita zvinoda veko, zvisinei nekuti kwako unenge uchitonga. ; Munhu ukafamba hauendi nerukudzo rwaunarwo kunzvimbo yekwako. Munhu uyu anofanira kuzvidukupisa nokuti chinzvimbo chake chokwake hapana anenge achichiziva.

What the Words Say

The son of a chief is a subject elsewhere; A chief's son is like a servant elsewhere.

What It Means

When in Rome, do as the romans do; Authority/royalty only works within its territory; Whatever your status in life among your people, you cannot expect to be treated accordingly when you are away from your area. Among strangers, you are just a passer-by.